Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Vomanikidzwa Kuvandudza Mitemo Yesarudzo


Zvichitevera kurudziro yeMDC mukutaurirana kwairi kuita neZanu PF, pamwe nerutsigiro rwenyika dzemu SADC, hurumende yaVaMugabe yabvuma kuvandudzazve mitemo yesarudzo. Izvi zviri kuonekwa nevakawanda senzira yehurumende yekuedza kuzvinyukura mumatambudziko ezvehupfumi uye munyaya dzezvematongerwo enyika.

Mutemo uri kuumbwa weElectoral Ammendment Bill uri kutarisirwa kuendeswa kuparamende mukupera kwaMbudzi.

Bhiri iri rinobata nyaya yenhepfenyuro, nyaya yezve nzvimbo dzekuvhotera, uye kuti Zimbabwe Electoral Commission izvimirire.

VaTongai Matutu inhengo inomirira MDC muparamende uye vari mukomiti yeparamende inoona nezvemitemo.

VaMatutu vaudza mutori wenhau dzeStudio7 Blessing Zulu kuti zvimwe zviri mubhiri iri zvikatevedzerwa, zvingarerutsa zvinhu asi pachine mutambo kuti zvose zvigadzirisike.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG