Accessibility links

Breaking News

Mai Sipho Ncube-Mazibuko Vochema Nerekuti Vari Kuda Kubvutirwa Chirongwa Chavo


Chirongwa cheMiss Rural Zimbabwe, icho chinoratidza unyanzvi nerunako rwetsvarakadenga dzinobva kumaruwa, chapindana nerushambwa, sezvo chava kuonekwa sechirongwa cherima, uko tsvarakadenga idzi dzinonzi dzava kumanikidzwa kuita mabasa asina maturo.

Mashoko atiri kutambira anoti vamwe vevasikana ava vanonzi vari kumanikidzwa kutorwa mifananidzo vasina kupfeka, uye vamwe vachikwezveswa varume kuti vaite zvepabonde navo.

Asi vakatanga uye vari mukuru weMiss Rural Zimbabwe, Amai Sipho Ncube-Mazibuko, vanoti nyaya dzose dziri kutaurwa idzi, inyaya dzekuda kusvibisa zita ravo chete, sezvo paine vamwe vari kurwisa kuti vabvute chirongwa ichi.

Amai Ncube-Mazibuko vanoti zvose zviri kutaurwa zvekunzi vanoshungurudza vanasikana ava, uye kuvaisa mumaoko avanamupere, ndezve kunyepa sezvo vachitora vanasikana vanenge vapfuura makore gumi nemasere, avo vavati vave kukwanisa kuzvifungira voga zvavanoda kuita nehupenyu hwavo.

Vatiwo munhu ari kunyanya kusvibisa zita ravo, ndiChief Executive weZimbabwe Tourism Authority, VaKarikoga Kaseke, avo vavati vari kuda kushandisa chirongwa cheMiss Rural Zimbabwe kukwezva vashanyi mugore ra2010.

Tatadza kubata VaKaseke kuti tinzwewo divi ravo. Ukuwo, pane vasikana vaviri vanzi vakatizawo kubva kuna Amai Ncube-Mazibuko, vakanopotera kuGirl Child Network of Zimbabwe, vachiti vaitiza kushungurudzwa pamwe nekumanikidzwa kuisa miviri yavo pachena vachitorwa mifananidzo.

Mutauriri weGirl Child Network of Zimbabwe, VaKamurai Mudzingwa, vaudza Studio 7 kuti sangano ravo richiri kuongorora nezvenyaya iyi.

Asi Amai Ncube-Mazibuko vanoti ichi handi chokwadi.

Amai Ncube-Mazibuko vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti vari kuronga kutora matanho pamusoro penyaya iyi.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG