Accessibility links

Breaking News

Bazi Remitemo mu MDC Rinoramba Kutambira Kusarudzwa kwaMai Makone


Panyaya yeWomen’s Assembly, bazi rinoona nezvemitemo mu MDC, rinonzi rakabuda negwaro rinoratidza kuti Extra Ordinary Congress yakaitirwa ku Fast Climbers Restaurant, haisi pamutemo.

Vane ruzivo nezviri kuitika vanoti vari mubazi rezve mutemo, vakasangana neChitatu vakazeya nyaya iyi, izvo zvakapa kuti vabude negwaro iri. Munyori anoona nezvemutemo mu MDC, VaInnocent Gonese, varamba kutaura pamusoro pezviri kuitika mubato ravo.

Asi vane ruzivo nenyaya iyi vanoti gwaro iri rakapihwa VaTsvangirai neChitatu. Mashoko atatambira anoti National Executive yeMDC haichaendereri mberi nemusangano wayo wekuzeya nyaya yeWomen's Assembly neSvondo. Vane ruzivo nezviri kuitika vanoti musangano uyu wava kuitwa svondo rinouya neChishanu. Hatina kukwanisa kunzwa kumutauriri weMDC, VaNelson Chamisa, kuti seyi musangano uyu uchisiri kuenderera mberi neSvondo.

Doctor Dennis Mandudzo igweta uye vaimbove Executive Dean we Faculty of Law paUniversity of Zimbabwe.

Patience Rusere weStudio7 aita hurukuro naVaMandudzo kuti tinzwe maonero avo pane zviri kuitika muMDC.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG