Accessibility links

Breaking News

Kuramwa Mabasa Kwevatongi Vedzimhosva Kwokonzera Zhowe Zhowe Kumatare Edzimhosva


Kuramwa mabasa kwevatongi vedzimhosva, kana kuti ma magistrates nema gweta ehurumende kwaita kuti zvinhu zviite manyama amire nerongo kumatare edzimhosva.

Amwe mashoko anotiwo vamwe vashandi veku High Court, vatangawo kuramwa mabasa neChina, asi vatongi vemu Hiigh Court, kana kuti majudge, vanonzi vachiri pamabasa, sezvo vasingabvumidzwe kuramwa mabasa.

Matare edzimhosva ari kunyanyo vhiringwa nekuramwa mabasa uku, anosanganisira Rotten Row Magistrates court uko kunotongwa nyaya dziri pakati pehurumende nevanenge vatyora mutemo neku Harare Civil court uko kunotongwa nyaya dziri pakati pevanhu vanenge vachipokona.

Mashoko anoti kunyangwe hazvo varikuramwa basa ava vari kuuya kubasa mazuva ose hapana basa ravari kuita sezvo vari kungoswera zvavo vachitaura nyaya nekumwa putugadzike mumahofisi avo.

Mutori wenhau we Studio 7 Sylvia Manika, anotiudza zvizere nezvenyaya iyi.

Dzimwe nhau kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG