Accessibility links

Breaking News

Muchuchisi Mukuru WeHurumende Anosungwa


Muchuchusi mukuru wehurumende VaSobuza Gula Ndebele vanonzi vakambosungwa neChipiri vachipomerwa mhosva yekudzivirira mutemo kuti utore gwara rawo.

VaGula-Ndebele vanonzi vakasangana naVaJames Mushore muHarare vakarega kuvasungisa kunyangwe vaiziva kuti vaitsvagwa nemapurisa.

VaMushore vainge vatiza munyika muna2004 vachipomerwa mhosva yekuburitsa mari yekunze munyika pasina mvumo yeRBZ. Asi vamwe vanoti nyaya iyi ine chekuita nezvematongerwo enyika. VaMushore vanonzi muzukuru waVaSolomon Mujuru vanovawo sahwira waVaGula-Ndebele.

Muchuchusi mukuru uyu anonzi akarimirana kumuganhu nevanotsigira VaEmmerson Mnangagwa muZANU-PF. Asi vakuru vemapurisa vataura neStudio 7 varamaba mashoko aya vakati hapana munhu ari pamusoro pemutemo saka kana vatyora mutemo vanofanira kurangwa.

VaJacob Mafume gweta uye vari Cordinator weCrisis in Zimbabwe Coalition vaudza Blessing Zulu weStudio 7 kuti zvave pachena kuti hapana munhu achaterera mutemo munyika.

Zvichakadaro, muzvinabhizimisi VaMutumwa Mawere vaudzawo mutori wenhau Blessing Zulu kuti zvekusunga vanamuzvinabhizimisi izvi hazvina chimuko.

Dzimwe nhau kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG