Accessibility links

Breaking News

VaMafa Vopikisa Kumbobviswa Kwavo Pachigaro muNCA


Sangano reNational Constitutional Assembly, NCA, rinoti rambomisa VaFelix Mafa kuve sachigaro we advocacy committee yesangano iri, zvichitevera danho rakatorwa nebato reMDC rekutsigira kuvandudzwa kwebumbiro remitemo yenyika, Constitutional Ammendment Bill Number 18.

Musangano wakaitwa muBulawayo mukupera kwesvondo wakabuda nechisungo chekuti VaMafa vamiswe kuve sachigaro sezvo vari ivo mutauriri weMDC muBulawayo.

Mutauriri weNCA, VaMaddock Chivasa, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti izvi zvakaitwa nechinangwa chekurerutsira VaMafa, sezvo vakanga vasvika pamhararano nekuda kwezvigaro zvavo mumasangano maviri aya.

Asi VaFelix Mafa vaudzawo Studio 7 kuti ndivo vachiri sachigaro wekomiti iyi, sezvo vasati vaudzwa zviri pamutemo nesangano iri.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG