Accessibility links

Breaking News

Nyaya yeKomisheni Inoongorora Sarudzo Yonetsa Munyika


Nyanzvi mune zvemitemo dzinoti kunyange hazvo MDC neZANU-PF vakabvumirana kuti panofanirwa kunge paine komisheni inoona nezvesarudzo yakazvimirira yoga, Zimbabwe Electoral Commission, iripo iye zvino ichiri kungoshanda pasi pemutemo wagara uripo.

Sachigaro ve ZEC, VaGeorge Chiweshe, vanoti vari kuita basa ravo vakazvimirira voga. Asi Zimbabwe Electoral Laws Amendment Bill ,iyo yakatarisirwa kuunza imwe shanduko pamashandiro e ZEC, harisati rava mutemo.

Mutori wenhau we Studio 7 Carole Gombakomba aita hurukuro naVa Paul Themba Nyathi, vanoona nezvesarudzo muMDC inotungamirwa naVa Arthur Mutambara, avo vanoti dai ZEC yambomira kumhanya mhanya sezvairi kuita, kusvikira vabvumirana kuti ine vanhu vari kushanda vakazvimirira voga.

Sezvo tichitema tisina kwatinorerekera, Carole Gombakomba, aita zvakare hurukuro naVa Ian Makone, avo vanova munyori anoona nezvesarudzo mubato reMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, kuti tinzwe pfungwa dzavo panyaya iyi.

Zvichakadaro, Va Jacob Mafume, gweta, uye vari National Cordinator ve Crisis in Zimbabwe Coalition, vaudzawo Carole Gombakomba kuti mutemo uripo iye zvino, unobvumidza ZEC kuti ienderere mberi nebasa, kunze kwekunge paine chichashanduka, mune mimwe mitemo inotevera.

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG