Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Votoda Njere dzaMambo Soromoni Pakugadzirisa Gakava Riri muMDC


Apo sarudzo dzava muberere, bato reMDC pane kuti riise musoro pamwe chete panyaya yesarudzo idzi, riri kuonekwa richiita mvongamupopoto iyo inogona kusvitsa bato iri muna taisireva.

Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti mutungamiri webato iri, VaMorgan Tsvangirai, vanotoda njere sedzaMambo Soromoni kuitira kuti vagadzirise matambudziko akatarisana nebato ravo. Vamwewo ndovanoti VaTsvangirai vari kusimbisa musangano sarudzo dzisati dzaitwa.

Mutori wedu wenhau weStudio 7 Blessing Zulu aita hurukuro naAmai Margaret Dongo, avo vakarwira hondo yerusununguko, uye vakambotungamira bato reZUD, pamwe naVaPedzisayi Ruhanya, avo vanoongorora nyaya dzezve matongerwo enyika, uye vari Senior Programs Officer we Crisis in Zimbabwe Coalition.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG