Accessibility links

Breaking News

Hurumende neMDC Vanoti Sarudzo Dzichaitwa Muna Kurume


Vamiriri ve MDC ne ZANU-PF munhaurirano dziri pakati pemapato maviri aya vanoti hachisi chokwadi kuti vakawirirana kuti sarudzo dzegore rinouya dziitwe muna Chikumi, kwete muna Kurume, sezvaburitswa nemapepa nhau e Business Day reku South Africa, pamwe nemu Zimbabwe Independent.

Gurukota rezvemitemo, VaPatrick Chinamasa, vaudza Reuters kuti mwedzi wesarudzo hauna kuchinjwa, izvo zvatsinhirwawo nevamwe vari kupinda muhurukuro idzi.

Hurukuro dzesvondo rino dzinonzi dzakafamba zvakanaka chose, sezvo dzakazeya nyaya yemitemo yakaita se POSA ne AIPPA. Asi hurukuro idzi dzinonzi dzakazosendekwa, zvichetevera kushaya kwemawanakomana waVa Chinamasa, Chengetayi, uyo akafira ku Boston, kuno ku America.

Doctor John Makumbe inyanzvi munyaya dzezve matongerwo enyika, uye vachidzidzisa pa University of Zimbabwe.

Mutori wenhau weStudio 7 Carole Gombakomba aita hurukuro na Doctor Makumbe, avo vanoti pane vasiri kutaura chokwadi panyaya iyi.

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG