Accessibility links

Breaking News

WFP Yotengera Zimbabwe Chibage Kubva kuMalawi


Sangano rinobatsira nechikafu pasi rose, World Food Program, kana kuti WFP, rinoti ratengera Zimbabwe chibage chinorema 36 000 metric tonnes, icho chichapihwa vanhu vakatarisana nenzara. Chibage ichi chatengwa kuMalawi.

Mutauriri we WFP kuchamhembe kwe Africa, VaRichard Lee, vanoti chikafu ichi chichapihwa mamiriyoni matatu evanhu kwemwedzi mumwe chete.

VaRenson Gasela ndivo munyori wezvekurima muchikwata cheMDC inotungamirwa naVa Arthur Mutambara.

Patience Rusere weStudio Seven aita hurukuro naVaGasela kuti tinzwe kuti vanofungei nzvechikafu chatengwa ne WFP.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG