Accessibility links

Breaking News

Registrar General Voti Voters' Roll Inofanirwa Kudhindwa Pakupera Kwegore


Vanoongorora nezvesarudzo vanoti zviri kutaurwa nehofisi yaRegistrar General zvekuti voters’ roll inofanirwa kudhindwa pakupera kwegore, hazvikwanisiki.

Mashoko aya akataurwa naVaEdwell Matemaringa, avo vanoona nezvekufambiswa kwemari muhofisi yaRegistrar General kukomiti yeparamende inoona nezvemukati menyika.

Hofisi yaRegistrar General inoti zvakare iri kuda mari inoita 3,5 trillion dollars yekudhindisa voter’s roll, asi iye zvino yakangowana 110 billion dollars chete kubva kuhurumende.

Mumirira weHarare North muparamende, Mai Trudy Stevenson, uye vari nhengo yekomiti yeparamende inoona nezvekushandiswa kwemari nemapazi ehurumende, vaudza Studio 7 kuti hurongwa hwa Registrar General hungangonetsa sezvo pachine zvizhinji zvakatarisirwa pakugadzirisa voters’ roll, kuti zvienderane nezviri muConstitutional Amendment Bill Number 18, iyo isati yasainwa naVaMugabe kuti uve mutemo.

Kunyange hazvo ZEC ichiti yakaudza bazi rehurumende rinoona nezvemari, kuti vanoda marii pakugadzirira sarudzo, Mai Stevenson vanoti hazvisati zvazivikanwa kuti imarii ichadiwa pakugadzirira sarudzo, sezvo musangano we pre-budget conference ungango bata bata nyaya dzakadai, uri kutanga neChina muBulawayo.

Mutori wenhau weStudio 7, Carole Gombakomba aita hurukuro nasachigaro veZESN, VaNoel Kututwa, kuti tinzwewo pfungwa dzavo panyaya iyi.

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG