Accessibility links

Breaking News

VaMutambara Vosangana neMasangano Akazvimirira Oga


Vamiriri vemasangano akazvimirira oga vaita musangano neMuvhuro nemutungamiri wechimwe chikwata cheMDC, VaArthur Mutambara, wekuzeya zviri kuitika muhurukuro pakati peMDC ne ZANU-PF.

Masangano aya anosanganisira ZINASU, Christian Alliance, WOZA, neNCA, pamwe nemamwe. Masangano aya anoti VaMutambara vavaudza kuti ZANU-PF ne MDC dziri kunyora bumbiro idzva remitemo yenyika.

Hatina kunzwa divi reZANU-PF, kana rechimwe chikwata che MDC, panyaya yekunyorwa patsva kwebumbiro remitemo yenyika.

VaMadock Chivasa ndivo mutauriri weNCA, uye vanga vari mumusangano waVaMutambara nemasangano akazvimirira ega.

Patience Rusere weStudio Seven aita hurukuro naVaChivasa kuti tinzwe zvaitika.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio Seven...

XS
SM
MD
LG