Accessibility links

Breaking News

Electral Act Yotadzisa Masangano Kudzidzisa Vanhu Nezvesarudzo


Apo nyika yatarisana nesarudzo dzegore rinouya, mamwe masangano akazvimirira oga anoti ari kutadza kudzidzisa vanhu nezvesarudzo, kana kuita voter’s education, nepamusana pemutemo uri pasi peZimbabwe Electoral Act.

Mutemo uyu unonzi unorambidza masangano akazvimirira oga, anoita nezvesarudzo, kuti adzidzise veruzhinji nezvesarudzo, kana kuti atambire mari inobva kunze kwenyika.

Mutori wenhau we Studio 7, Carole Gombakomba aita hurukuro naDirector ve Civic Education Network Trust, VaWellington Mbofana, vakabata chigaro che Public Outreach Program musangano reZimbabwe Election Support Network-ZESN, kuti tinzwe kuti vakamira papi panyaya iyi.

Tichiri panyaya yesarudzo, sangano re Crisis in Zimbabwe coalition rinoti riri kuenderera mberi nekudzidzisa vanhu nezvesarudzo, kunyange hazvo paine mitemo inorambidza kuti dzidziso idzi dziitwe.

Carole Gombakomba aita zvakare hurukuro na National Cordinator weCrisis in Zimbabwe Coalition, Va Jacob Mafume, kuti tinzwe zviri kuitwa nesangano ravo.

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG