Accessibility links

Breaking News

High Court Inoti Congress yeWomen's Assembly Ndiyo Chete Inobvisa Hutungamiri Hwayo


Mutongi wedare reHigh Court, VaYunus Omerjee, neChishanu vakapa mutongo wekuti Congress yeWomen's Assembly ndiyo chete inokwanisa kubvisa hutungamiri hwegungano revanhukadzi muMDC.

Mutongo uyu watambirwa nehutungamiri hweMDC pamwe naAmai Lucia Matibenga avo vainge vabviswa pachigaro cheWomen's Assembly vachinzi havasi kufambisa basa zvakanaka.

Munyori mukuru weMDC, VaTendai Biti, vati Extraordinary Congress iri kuitirwa kuBulawayo neSvondo ichaenderera mberi.

Asi mukupa mutongo wavo, VaOmerjee vati congress ikaitwa neSvondo, kana rimwe zuva, nyaya yekumisa kana kurega kumisa hutungamiri hweWomens Assembly ndiyo inofanirwa kuzeyiwa kuitira zvionekwe kana zvichikodzera kuita sarudzo itsva dzegungano iri.

Mai Matibenga vaudza mutori wenhau weStudio7, Blessing Zulu, kuti MDC ikaita Congress isingatevedzeri zvinodiwa nebumbiro remitemo yebato, vanodzokera kumatare.

Zvichakadaro, vamwe vari kukwikwidza kuve sachigaro weWomen’s Assembly, Amai Theresa Makone, vanoti vakakumbirwa kuti vave mutungamiri mutsva we bazi remadzimai mubato iri. Mai Makone, vanoti vakatowana rutsigiro kubva kumatunhu ose gumi nemaviri.

Carole Gombakomba weStudio 7 aita hurukuro naMai Makone avo vati vakakumbirwa namadazimai kuti vavatungamire.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG