Accessibility links

Breaking News

Vaimbove Muchengetedzi waVaTsvangirai, VaNhamo Musekiwa, Vanoshaikira kuSouth Africa


Nhengo yeMDC yaimbova muchengetedzi waVaMorgan Tsvangirai, VaNhamo Musekiwa, vanonzi vakashaya neChitatu muchipatara chekuSouth Africa.

VaMusekiwa mumwe wevanhu vakurohwa zvakaipisisa musi wa 11 Kurume muHighfield nemapurisa, zvokuti havana kuzomboita zvakanka kudzimara vashaya. Vanhu vakarohwa musi uyu, vanosanganisirawo VaTsvangirai mbune nevamwe vakuru vebato ravo.

VaMsekiwa vange vave nemakore makumi matanhatu nemanomwe uye vasiya mudzimai, Edina. Hurongwa hwekuradzikwa kwavo hausati hwazivikanwa asi vanhu vakaungana kumba kwavo kuWarren Park.

Mutauriri weMDC VaNelson Chamisa, vaudza mutori wenhau Blessing Zulu kuti bato ravo ranetseka zvikuru nezverufu urwu.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudfio 7...

XS
SM
MD
LG