Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yovimbisa MDC Kuferefeta Mhirizhonga


Gurukota rezve mukati menyika, VaKembo Mohadi, vanonzi vaudza MDC kuti hurumende ichaferefeta nyaya dzose dzemhirizhonga, idzo iri kupomerwa nebato iri. Sekutaura kuri kuita Irwin Chifera, izvi zvabuda pamusangano waitwa naVaMohadi nevamiriri veMDC muHarare.

Tichiri panyaya yemusangano waitwa naVaMohadi neMDC, sangano re NCA rinoti mitemo yakaita se AIPA nePOSA inofanirwa kubviswa, kuitira kuti mapato anopikisa hurumende anyatsoita mabasa awo ezve matongerwo enyika.

National Director ve NCA, VaEarnest Mudzengi, vanoti kana mitemo yakadai ichiripo, vanhu havafanirwe kungofadzwa nezvataurwa naVaMohadi, asi kuti vafadzwe nezvinenge zvichiitwa mundima yezve matongerwo enyika.

Patience Rusere weStudio Seven aita hurukuro naVaMudzengi kuti anzwe mafungiro avo pamashoko avaMohadi.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG