Accessibility links

Breaking News

VaKembo Mohadi Vodana MDC kuMusangano Wekuzeya Mhirizhonga


Gurukota rinoona nezvemukati menyika, VaKembo Mohadi, vari kutarisirwa kuita musangano neveMDC neChitatu panyaya yemhirizhonga. Vane ruzivo nezviri kuitika vanoti izvi zvinotevera kugunun'unawo kwevamwe vakuru veSADC nenyaya yemhirizhonga iyi.

Studio 7 haina kukwanisa kutaura naVaMohadi, avo vanonzi vakatumira mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, tsamba yekuti vasangane navo.

Asi mutauriri weMDC, VaNelson Chamisa, vanoti hutungamiri hwebato ravo huchaenda kumusangano uyu, uko vachanopa VaMohadi humbowo hwezviri kuitwa kunhengo dzeMDC.

Patience Rusere weStudio Seven aita hurukuro naVaChamisa pamusoro pemusangano wavo naVaMohadi.

Kunyange hazvo vamwe vakuru venyika dzemuSADC vachitungamirwa neSouth Africa vari kuti hurumende yaVaMugabe iongorore nyaya yemhirizhonga iri kunzi iri kuenderera mberi kuvatsigiri veMDC nevamwe vemasangano anorwira kodzero dzevanhu, mhirizhonga iyi iri kuramba ichienderera mberi muZimbabwe.

KuBindura kune vechidiki veMDC vanosvika gumi nevashanu vakasungwa ndokurohwa nezuro mushure mekuenda kumusangano wevechidiki webato iri muguta iri. Vechidiki ava vanonzi vakarohwa nevaimbova varwiri vorusununguko.

Mumashonaland Central makare, dzimwe nhengo dzeMDC shanu dziri kudzingwawo paRuwanga Farm nevatsigiri veZanu PF nenyaya dzezvematongerwo enyika idzi.

Svondo rapera MDC yakanyora tsamba kuSADC ichigunun’una nekurohwa, kusungwa uye kutyisidzirwa kwevatsigiri vayo. Asi mutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Wayne Bvudzijena, vakati bato iri harina humbowo hwakakwana panyaya iyi.

VaSolomom Madzore ndivo munyori wevechidiki muMDC.

VaMadzore vaudza mutori wenhau weStudio 7 Blessing Zulu kuti mumwe musikana akarohwa atori muchipatara kuBindura kwekare.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG