Accessibility links

Breaking News

Inflation Yokwira Zvekare Kusvika Pa 7 982%


Inflation yemunyika yakwirazve kubva pa6 592%, muna Nyamavhuvhu, kusvika pa 7982% muna Gunyana. Ukuwo huremu hwedhora remunyika zvichienzaniswa nerekuAmerica hwadererawo zvikuru.

NeChitatu dhora rekuAmerica range rave kutengeswa nemiriyoni yemadhora emuZimbabwe.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, VaJohn Robertson, vanoti gwara rehupfumi rinoteverwa nehurumende kunyanya rekuda kumanikidza vanhu kuti vadzikise mitengo ndizvo zvaita kuti hupfumi huende kumawere.

Vati nekushaya simba kwedhora remunyika, zvinhu zvichatoramba zvichikwira mitengo yazvo.

Munyori mukuru weMDC, VaTendai Biti, vaudza mutori wenhau Blessing Zulu kuti hurumende haichaziva zvekuita nehupfumi hwaita manyama amire nerongo.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG