Accessibility links

Breaking News

MDC Yochema Nenyaya Yemhirizhonga


MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai inoti zviri kuitwa neZANU PF hazviratidzi kukoshesa nhaurirano dziri pakati pemapato maviri aya, idzo dziri kutungamirirwa nemutungamiri weSouth Africa VaThabo Mbeki.

Izvi zvabuda pamusangano waitwa nevakuru-vakuru veMDC nevatori venhau muHarare neChipiri.

Mutori wenhau weStudio7 Thomas Chiripasi anga aripo pamusangano uyu anoti mutauriri weMDC VaNelson Chamisa vati vatonyora tsamba kuSADC vachigunun'una nenyaya iyi.

Asi mutauriri wemapurisa, Assitant Commissioner Wayne Bvudzijena, vati aya manyepo nekuti hapana nyaya dziri kumhan’arwa kumapurisa uye hapna humbowo hwakati tsvikiti huri kupihwa.

Asi MDC inoti pane mutsigiri wayo, Fibion Mafukidze, uyo akarohwa nemauto akafa kwaGutu. Vamwe vaviri kusanganisa vamaxwell mazambani vakarohwawo zvakaipisisa.

VaMazambani vari muchipatara umo vanonzi hupenyu hwavo huri munjodzi. Vamwe vatsigiri veMDC vanonzi vari kuitwawo kafiramberi munzvimbo dzakasiyana siyana, vachisiya vakandwa mumasango mushure mekurohwa.

VaSamuel Ndahwi Gumbo vakafanobata chigaro chasachigaro weMDC muGweru vaudza mutori wenhau Blesssing Zulu weStudio 7 kuti vakaitwawo kafiramberi nemapurisa, mauto nevatsigiri veZANU-PF uye vava muhupoteri muHarare.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG