Accessibility links

Breaking News

Tsvangirai: Nhaurirano Hadziendereri Mberi Kana Paine Mhirizhonga


Mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vanoti kana ZANU-PF ikaenderera mberi nezvemhirizhonga, bato ravo rinobuda munyaya yenhaurirano dziri kutungamirwa nemutungamiri weSouth Africa, VaThabo Mbeki.

VaMbeki ndivo vakadomwa kuva mutongi gava neSADC panyaya yekunetsana kuripo pakati peZANU-PF neMDC.

Svondo rapera, munyori mukuru webato iri, VaTendai Biti, vakaudza bepanhau repa internet, reZimOnline, kuti kunyange vasiri kufara nekurohwa kwevatsigiri veMDC, kutaurirana neZANU-PF kucharamba kuchienderera mberi. VaBiti ndivo vari kumiririra bato mukutaurirana uku.

Mutauriri weMDC, VaNelson Chamisa, vatiwo havasi kufara nekurohwa kwenhengo dzebato ravo mumativi mana ose enyika. VaChamisa vati kubvira zvakatanga nhaurirano idzi, bato ravo rakarambidzwa kuita misangano zana nemitatu.

VaTsvangirai, avo vari kushanya muno muAmerica nemuCanada pari zvino vaudza mutori wenhau Blessing Zulu weStudio 7 kuti mukutaurirana vanhu havafanire kuramba vachifungirana zvisina kunaka.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG