Accessibility links

Breaking News

Nhengo dzeWOZA Dzinosungwa Mushure Mekuratidzira


Nhengo dzinosvika makumi matanhatu dzesangano rinorwira kodzero dzevanhukadzi dze Women of Zimbabwe Arise, kana kuti WOZA, dzasungwa padzanga dzichiratidzira muHarare neMuvhuro.

Mutungamiri weWOZA, Mai Jenni Willams, pamwe chete nedzimwe nhengo dzesangano iri dzinodarika makumi matanhatu, dzasungwa padzasvika padare reparamende dzichiratidzira dzakatakura zvinyorwa zvakasiyana-siyana.

Zvimwe zvezvinyorwa izvi zvanga zvakanzi “remekedzai vanhukadzi” uye mapepa avanga vakatakura pamwe nemicheka yakadhindwa, zvatorwa nemapurisa pasungwa nhengo idzi.

Sekutaura kuri kuita Thomas Chiripasi, kuratidzira kwaitwa nenhengo dzeWOZA kwatanga masikati uye varatidziri ava vanga vachiimba vachifamba nemuna Sam Nujoma ndokupinda muna Nelson Mandela Avenue vakananga kuparamende.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG