Accessibility links

Breaking News

Britain Youdza European Union Kuti Itumire Nhumwa kuZimbabwe


Dare re House Of Lords neChitatu rakazeya nyaya yeZimbabwe rikakurudzira hurumende ye Britain, pamwe ne European Union, kuti zvirango zvakatemerwa VaMugabe nevamwe vavo, zviwedzerwe.

Mutori wedu wenhau, Sandra Nyaira, uyo ari muLondon, anoti nhengo dze House Of Lords dzakakurudzirawo kuti European Union itumire nhumwa yekunoongorora mamiriro akaita zvinhu muZimbabwe.

Tichiri panyanya iyi, nyanzvi munyaya dzezve matongerwe enyika, uye vari National Director weNCA, VaErnest Mudzengi, vanoti hurumende yeBritain haingakwanise kumanikidza Zimbabwe kuti ichinje muitiro wayo, sezvo nyika mbiri idzi dzakarimirana pamuganhu.

Patience Rusere weStudio Seven aita hurukuro naVaMudzengi kuti tinzwe pfungwa dzavo pane zviri kuitika muLondon.

Dzimwe Nhau Kubva KuStudio 7...

XS
SM
MD
LG