Accessibility links

Breaking News

VaTsunga Vanopihwa Mubairo Wekurwira Kodzero Dzevanhu


Gweta rinorwira kodzero dzevanhu, uye vari Executive Director weZimbabwe Lawyers for Human Rights, VaArnold Tsunga, pamwe naMai Mandira Sharma vekuNepal vadomwa kuti vapihwe mubairo wekurwira kodzero dzevanhu kana kuti Human Rights Defenders Awards nesangano reHuman Rights Watch.

Executive Director weHuman Rights Watch, VaKenneth Roth, vati vaviri ava vakaratidza hushingi kunyange hazvo vaityisidzirwa nerufu nehurumende dzenyika dzavo.

VaOtto Saki vashanda naVaTsunga kwenguva yakareba uye vari kuita zvidzidzo zvepamusoro paColumbia University muNew York vaudza Blessing Zulu weStudio 7 kuti zvinhu zvakaoma zvikuru kuita hugeta muZimbabwe.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG