Accessibility links

Breaking News

WOZA Inoparura Gwaro Rinoratidza Kushungurudzwa Kwenhengo Dzayo


Sangano reWomen Of Zimbabwe Arise, WOZA, rinoti hurumende iri kuramba ichirova pamwe nekushungurudza nhengo dzaro kunyange hazvo ZANU-PF neMDC dziri kutaurirana kuitira kuti munyika muve nerunyararo.

WOZA yakaparura neChipiri muJohannesburg chidimbu chegwaro reongororo yakaitwa nesangano iri. Gwaro iri rinonzi ‘’Defending Women-Defending The Rights Of A Nation’’.

Mutungamiri weWOZA, Amai Jenni Williams, vanoti gwaro iri kana rapedza kugadzirwa, richaendeswa kumapurisa nevanhu vemuSouth Africa, avo vari kutarisirwa kukurudzira mutungamiri we South Africa, VaThabo Mbeki, kuti vaone kutambudzwa kuri kuitwa vanhu vemuZimbabwe nehurumende.

Patience Rusere weStudio Seven aita hurukuro nenhengo yeWOZA Muzvare Clara Makoni kuti tinzwe zviri mugwaro iri.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG