Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yobvuma Kuti Nzara Yapfunya Chisero Munyika


Hurumende, kuburikidza nebazi rePublic Service, Labour and Social Welfare, yazotenda kuti nyika inoda rubatsiro rwezvekudya.

Izvi zvakabuda mugwaro rakanyorwa mushure memusangano waitungamirwa nesangano re Food and Agricultural Organization, FAO, pamwe nemapazi ehurumende akaita se Arex, Meteorological Services Department, bazi reSocial Welfare, bazi rezvekuchengetedzwa zvakanaka kwevana, Environment Africa uye Oxfam.

Met Office inoti pane mukana ungangosvika makumi mana kubva muzana wekuti kuchanaya mvura yakakwana mwaka uno. Arex inotiwo gore rino, nyika ichakohwa gorosi rinosvika 242,000 metric tonnes.

Asi GMB kusvika pari zvino, inoti ine 383 metric tonnes chete. Nyika inoda 400, 000 metric tonnes pagore rose. Hurumende yakaisa parutivi mari inosvika 347 billion dollars yekutenga chikafu.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi, vaEric Bloch, vaudza Studio 7 kuti mari iyi ishoma zvikuru, uye vati huwandu hwevanhu vanoda chikafu, hunotosvika mamiriyoni masere tikatarisa vari mumaguta, avo vanodawo rubatsiro.

VaGlen Mpani vanoona nezvematongerwo enyika vaudza Blessing Zulu weStudio7 kuti hurumende inoda kushandisa chikafu munguva yesarudzo.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG