Accessibility links

Breaking News

VaGono, Makurukota aVaMugabe Vonetsana Pamutemo Wekubvuta Makambani


Dare remakurukota neChipiri riri kutarisirwa kuzeyazve nyaya yekupa hupfumi kuvatema kana kuti Indiginization and Economic Empowerment Bill. Bhiri iri raunza makakatanwa pakati pevari muhurumende.

Gavhuna weRBZ, VaGedion Gono, varamba vasimba nerekuti chirongwa ichi chichawisira hupfumi mumadhaka.

Asi vamwe vanotsigirana naVaMugabe vanoti zvakakosha kuti makambani atorwe sezvo hurumende iri kuda rutsigiro rwevanhu musarudzo.

Vachiparura hurongwa hwemari neMuvhuro, VaGono vakati pane vamwe vakuru vakuru vehurumende vakawanda, uye shamwari dzavo vakatotsvukisa maziso avo kuda kutora migodhi, mabhanga nemakambani ari kufambiswa zvakanaka.

Vakayambirawo kuti vanhu ava ngavakanganwe zvavo sezvo vasiri kuzovatendera kupindira mumabhanga. Asi gurukota rezvekupa hupfumi kuvatema, VaPaul Mangwana, vanoti hapana kudzokera kumashure pahurongwa uhu.

VaProsper Chitambara Chief Economist wesangano reLabour and Economic Development Reseach Institute.

VaChitambara vaudza mutori wenhau weStudio 7 Blessing Zulu kuti muhurumende yaVaMugabe, ruoko rwerudyi haruzivi zviri kuitwa neruboshwe.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG