Accessibility links

Breaking News

Nyaya Yenzara Munyika Yotemesa Musoro Vanhu Vakawanda


Nyaya yanetsa zvikuru munyika, inyaya yenzara iyo yatopfunya chisero kuti bwa. Hurumende inoti nyara iri kukonzerwa nezvirango zvakatemerwa nyika, zvichitevera kutora nechisimba kwayakaita mapurazi aive evachena.

Asi vanopikisa hurumende vanoti hurumende ndiyo yaita njere dzebenze kuhwanda mvura mutsime, nekudzika mitemo isingaendese nyika mberi.

Mukuzeya nyaya yenzara iyi, mutori wenhau weStudio 7 Blessing Zulu abata Doctor Godfrey Kanyenze, nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute, pamwe naVaSydney Masamvu, nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vachishanda neInternational Crisis group kuchamhembe kwe Africa.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG