Accessibility links

Breaking News

MDC Inoti Kunyoreswa Kwevavhoti Ngakuitwe Patsva


Bato reMDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai, rinoti rinoda kuti chirongwa chekunyoresa kuti vanhu vakwanise kuvhota chiitwe patsva sezvo chiripo iye zvino, chisina kunyatsojeka.

Bato iri rinoti mafambisirwo ari kuitwa chirongwa ichi pari zvino, anopa mukana kubato reZanu PF wekuita zvarinoda sezvo rinenge riri iro chete rinenge richiziva zviri kuitika, pamwe nekutungamira hurongwa hwesarudzo.

Pfungwa iyi inopinda muMDC, zvichitevera mashoko akataurwa mudare reparamende neChina negurukota rezvemitemo, VaPatrick Chinamasa, avo vakati chirongwa chekunyoresa patsva hachisi kuzofa chakaitwa zvachose sezvo mazita evanhu vakanyoresa kare, ari iwo achashandiswa kana miganhu yotarwa neZimbabwe Electoral Commission.

MDC inoti zviri kuda kuitwa nehurumende izvi, zvinoratidza kuti Zanu PF haisi kukoshesa hurukuro dziri kuitwa pakati peZanu PF neMDC.

Mutauriri weMDC, VaNelson Chamisa, vaudza mutori wenhau weStudio7, Jonga Kandemiiri, kuti izvi zvikaitwa, zvichareva kuti mazita evamwe vanhu vakafa kana kubuda munzvimbo dzavakanyoresa vari, acharamba achishandiswa pakubirwa kwesarudzo.

Ukuwo mutungamiri wesangano reCivic Education Trust, VaDavid Chimhini, vanotiwo panofanirwa kutangiswa chirongwa chekunyoresa vanhu patsva, sezvo pakawiriranwa kuti paumbwe sangano idzva reZimbabwe Electoral Commission, ZEC.

Jonga Kandemiiri weStudio 7 aita hurukuro naVaChimhini kuti tinzwewo pfungwa dzavo.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG