Accessibility links

Breaking News

Vatambi Vemitambo Yemadhirama vanoti Vakashungurudzwa Vari Muhusungwa


Vatambi vemitambo yemadhirama vaviri nemutori wenhau mumwe chete avo vakasungwa mukupera kwesvondo mushure mekuita mutambo wavo unonzi “The Final Push”, vakaburitswa muhusungwa neMuvhuro manheru vachiiswa mumaoko emagweta avo.

NeChipiri, vatatu ava, avo vanoti mutori wenhau VaJames Jemwa, VaSylvanos Mudzvova naVaAnthony Tongani, vaswera vari kumapurisa kuHarare Central Police Station vachi bvunzurudzwa zvakare.

Pakasungwa vatambi ava mapurisa aivapomera mhosva pasi pemutemo weCriminal Nuisance Act, asi vanga vava kupomerwa mhosva yekutyora mutemo weCensorship and Entertainment Act.

Varume ava vakasungwa nemugovera vachipomerwa mhosva yekuita mutambo unofungidzirwa kuti unozvidza mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe uye vanzi vakashungurudzwa zvikuru vari muhusungwa.

Producer weVhitori Entertainment iyo iri kuita mutambo uyu, uye vanga vari muhusungwa VaSylvanos Mudzvova vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti mapurisa akavashungurudza nekuvaita kuti vadzokorore mutambo wavo uyu kanopfuura kagumi

Dzimwe nhau kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG