Accessibility links

Breaking News

ZIMTA Inobatana NePTUZ Pakuramwa Mabasa


Nhengo dzesangano reZimbabwe Teachers' Assocaition, ZIMTA, dzatanga neMuvhuro kuramwa mabasa dzichida kuti mari yadzinotambira ikwidzwe.

Sangano reZIMTA rakanyorera nhengo dzaro tsamba svondo rapera richidzizivisa nezvedanho iri.

ZIMTA yanga isina kupinda mukuramwa mabasa kwakatangwa neProgressive Teachers' Union of Zimbabwe masvondo matatu apfuura, sezvo yaiti iri kuita hurukuro nehurumende.

Sangano iri rinonzi riri kuda kuti murairidzi wepasi atambire mari inoita $16 million pamwedzi. Varairidzi vari pasi perimwe sangano reProgressive Teachers' Union of Zimbabwe vatove nemasvondo matatu vachiramwa mabasa.

Masikati eMuvhuro hurumende yadaidza APEX Council, iyo inomirira masangano ose evashandi vose vehurunde kumusangano wechimbichimbi mukuedza kugadzirisa dambudziko ravamuzvikoro.

Studio 7 yatadza kubata hutungamiri hweZIMTA sezvo hwanga huchiri mumusangano uyu.

Asi munyori munyori wePTUZ VaRaymond Majongwe vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti vanotambira zvaitwa neZIMTA uye vanovimba kuti vapinda mukuramwa mabasa uku nemwoyo wose.

Dzimwe nhau kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG