Accessibility links

Breaking News

Masangano Akazvimirira Oga Okundikana Kutaura Nezvemaipiro Akaita Zvinhu muZimbabwe Kumusangano weUN


Apo musangano we United Nations General Assembly uri kuenderera mberi mu New York, munyori mukuru we United Nations, Va Ban-Ki Moon, vachiri kuenderera mberi nekuita misangano nevatungamiri vedzimwe nyika, nevamwe vakuru vakuru vedzihurumende.

Sangano re United Nations rinoshanda nedzihurumende, pamwe nemasangano akazvimirira oga, pakuongorora zvekodzero dzevanhu, zvematongerwo enyika, zvehupfumi nezvimwewo. Asi masangano akazvimirira oga emu Zimbabwe haana kukwanisa kuenda kumusangano uyu.

Vamwe vataura ne Studio 7 vanoshanda mu United Nations, vanoti kana pasina dzimwe nyika dziri kuchema chema kuti zviri kuitika mu Zimbabwe zviri kukanganisa rugare rwenyika dzavo, hapana zvinogona kuitwa nesangano re United Nations, sezvo sangano iri richikoshesa zvinotaurwa nedzimwe nyika.

Dzimwe nyika dzemu Africa, hadzina zvadziri kutaura maererano nezviri kuitika muZimbabwe, kumusangano we United Nations, kunze kwenyika dzakaita se Britain ne America, dziri kutsutsumwa nekutyorwa kuri kuitwa kodzero dzevanhu vemu Zimbabwe, pamwe nekutambura kuri kuita vanhu munyika..

Mutori wenhau we Studio 7, Carole Gombakomba aita hurukuro naExecutive Director veNational Association of Non-Governmental Organisations kana kuti NANGO, VaCephas Zinhumwe, ndokutanga nekuvabvunza kuti sei masangano akazvimirira oga asinawo kumira mira pane zviri kuitika kumusangano weUnited Nations kuitira kuti atore matanho ekuzivisa dzimwe nyika zviri kuitika mu Zimbabwe.

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG