Accessibility links

Breaking News

Paramende Inotambira Mutemo waVaMugabe Unobvutira Vachena Hupfumi


ZANU-PF neMDC izvo zvakange zvamboita hushamwari hwebande nebhurukwa, zvave kubatana pahuro zvekare panyaya yemutemo we Indigenization and Economic Empowerment Bill.

Mutemo uyu watambirwa neChitatu nedare iri, kunyange hazvo nhengo dzeMDC dzabuda papasiswa mutemo uyu. Mutemo uyu unosungira makambani ose evachena kuti ape vatema zvikamu makumi mashanu nechimwe kubva muzana kana kuti 51%.

Makambani ose anenge oda kutanga mabasa munyika, anosungirwawo kupa vatema zvikamu izvi asati apihwa mvumo yekutanga basa munyika.

Gurukota rezvekupa hupfumi kuvatema, VaPaul Mangwana, vanoti havasi kudzokera kumashure nechimurenga chavatanga, icho vanoti chinokunda hondo yavo yeminda. Asi MDC iri kushoropodza hurongwa uhu ichiti hwakanangana nekuwanisa ZANU-PF mavhoti uye kuzadza homwe dzevakuru vebato iri.

VaInnocent Gonese chief whip weMDC mudare reparamende.

VaGonesevaudza mutori wenhau wesStudio 7 Blessing Zulu kuti hushamwari neZANU-PF hausvike pakurega ichidzika mitemo inouraya nyika.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG