Nhengo dzesangano rinorwira bumbiro remitemo idzva dze National Constitutional Assembly, kana kuti NCA, dzapinda mumigwagwa muHarare dzichiti hadzisi kufara nekuvandudzwa kwebumbiro remitemo kwakitwa neZanu PF pamwe neMDC svondo rapfuura.
Mapato maviri aya akapasisa bhiri re Constitutional Amendment Bill Number 18, iro rinoita kuti sarudzo dzemutungamiri wenyika pamwe nedzeparamende dziitwe nguva imwe chete.
Vanga vachiratidzira ava, vanga vakatakura zvinyorwa zvakasiyana-siyana zvanga zvichitsoropodza kupasiswa kutambirwa kwemutemo uyu nedare reparamende. Zvimwe zvezvinyowa izvi zvanga zvakanzi "Zanu ne MDC matengesa".
Vanga vachiratidzira ava vaungana panosangana migwagwa inoti Inez Terrace na Nelson Mandela pedyo nepamuzinda we MDC pa Harvest House, ndokutanga kuimba vachimwayawo mapepa anga achitsoropodza zvakaitwa ne Zanu PF neMDC.
Asi kuratidzira uku hakuna kutora nguva yakareba sezvo mapurisa anga akapakatira zvombo atanga kumhanyisa vanhu pavasvika panosangana migwagwa inoti Julius Nyerere naJason Moyo, zvabva zvaita kuti varatidziri ava vaite tsoka ndibereke vachiita aziva kwake aziva kwake.
Hapana asungwa pabesanwa raitika pakati pemapurisa nevanga vachiratidzira ava. Kuratidzira uku kusati kwatanga, mutauriri we NCA, VaMurdoch Chivasa, vaudza Studio 7 kuti kutambirwa kwakaitwa bhiri iri nemapato maviri aya, kushora veruzhinji.
VaChivasa vati chinodikanwa ndechekuti paumbwe bumbiro remitemo idzva, kwete zvokuisa zvigamba-zvigamba pabumbiro iri. VaChivasa vati havawone sarudzo dzegore rinouya dzichiitwa mune zvakanaka, kunyange hazvo nhengo dzeparamende dzemapato maviri aya, dzakapasisa bhiri iri.
Vati hapana chati chashanduka pamabatirwo esarudzo uye veruzhinji havana kubvunzwa pamusoro pemutemo uyu. Bhri iri rakatambirwa neparamende pasina kana akapikisa mudare iri.
Bhiri iri ramirira kutambirwa nedare reparamende yepamusoro, kana kuti Senate. Kana mutemo uyu ukatambirwa nedare reSenate, mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vanofanirwa kuisa ruoko rwavo kuti mutemo uyu uchishanda.