Accessibility links

Breaking News

Sangano reFewsnet Rotaura Nezve Mamiriro eChikafu Munyika

Sangano rinoona nezvemamiriro anenge akaita chikafu pasi rose, reFEWSNET, rinoti Zimbabwe icharamba yakatarisana nenzara kusvika gore rinouya.

Asi sangano iri rinoti nzara iyi haisi kuzosvika pakaipisisa, sezvo masangano anobatsira nechikafu, acharamba achibetsera Zimbabwe. FEWSNET inotiwo masangano akazvimirira oga, ari kutarisirwa kunge achipa Zimbabwe chikafu mwedzi uno kusvika mukupera kwegore.

Asi FEWSNET inoti zvinhu zvakaita semafuta epeturu nedhiziri, zvicharamba zvichinetsa, izvo zvichapa kuti kutakurwa kwechikafu kusafambe zvakanaka.

Reverend Forbes Matonga ndivo National Director weChristian Care, sangano rinotakura pamwe nekupa vanhu chikafu chinobva kuWFP.

Patience Rusere weStudio Seven aita hurukuro naVaMatonga kuti tinzwe pfungwa dzavo paongororo yeFEWSNET

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG