Accessibility links

Breaking News

Vasori Voronga Kuuraya Vatori Venhau?


Sangano revatori venhau repasi rose reInternational Federation of Journalists, IFJ, rinoti riri kukurudzira hurumende yeZimbabwe kuti ichengetedze hupenyu hwevatori venhau gumi nevashanu, avo vanonzi vari pagwaro rine vatori venhau vanofanirwa kuurayiwa.

Gwaro iri rinonzi rinosanganisirawo vatori venhau vari munyika vanoti mupepeti weThe Standard, VaBill Saidi, VaGift Phiri, mupepeti webepanhau reZimonline, Va Abel Mutsakana, avo vari kushanda vari ku South Africa, pamwe nevatori venhau vari kushanda vari mhiri kwemakungwa. VaMutsakani vakapfurwa kuSouth Africa, vakazoponera kuchipatara, ukuwo VaPhiri, vakasungwa nemapurisa, vakatochwa apo vakange vari muhusungwa. Vatori venhau ava vanonzi vari kushanda nenyika dzekumawirira dzinonzi hadzidyidzane neZimbabwe.

Mutori wenhau dzeStudio7, Jonga Kandemiiri aita hurukuro naVaSaidi, kuti tinzwe pfungwa dzavo.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG