Accessibility links

Breaking News

Global Fund Yotumira Nhumwa kuZimbabwe


Sangano reGlobal Fund ratumira nhumwa kuzoongorora kuti mari iri kupihwa Zimbabwe iri kushandiswa nenzira kwayo here kana kuti kwete.

Nhumwa idzi dzinonzi dzichasiya dzatsvaga nyanzvi ichange ichiona nezve mafambirwo emari inopihwa Zimbabwe ne Global Fund. Nhumwa idzi dzasangana nesangano re National Aids Council, NCA, dzikaita hurukuro pamusoro pehurongwa hwesangano iri muZimbabwe.

Vasati vapinda mumusangano uyu Country Coordinating Mechanism coordinator weZimbabwe, VaRangarirai Chiteure, vati nhumwa dzeGlobal Fund dzasangana nemamwe masangano madiki akaita seZimbabwe Association of Hospital Churches, pamwe neChristian Care vachinzwa kuti masangano aya ari kubatsirwa sei nemari dzeGlobal Fund dziri kubva kuNAC. VaChiteure vati vakuru ava vakashanyira zvekare Howard Mission vachinoona kuti chirongwa chemishonga yeHIV chiri kufamba seyi.

Mutungamiriri wenhumwa idzi, Va Amal Medani vaudza Studio Seven kuti vachataura nezve hurongwa hwavo kana vapedza kuita zvavafambira.

Vane ruzivo nezviri kuitika vanoti nhumwa idzi dzichaitawo misangano yakawanda inosanganisira kusangana negurukota rezveutano nekuchengetedzwa kwakanaka kwevana, VaDavid Parirenyatwa. Global Fund inoda kunzwa nezvemari dziri kusvikira mumaoko ehurumende, iyo iri kushandiswa munyaya dze malaria ne T-B. VaPirenyatwa ndivo sachigaro veCountry Coordinating Mechanism, iyo inoshanda ne Global Fund. Vari mukomiti yeCCM ndivo vanoita basa rekunyorera kuGlobal Fund apo panenge padaidzirwa nesangano iri kuti nyika dzitumire magwaro ekukumbira mari.

Kuitira kuti nyaya dzemari dzifambe zvakanaka, sangano iri riri kutsvagawo munhu anokwanisa kuita basa rekufambisa mari munyika. Mukuru we NAC, VaTapuwa Magure, vanoti vari kufara kuti basa iri richabatsira kuti Zimbabwe ikurumidze kuwana mari, uye kufambiswa kwezvirongwa nenzira kwayo.

Pari zvino mari dzekurwisa chirwere cheHIV/AIDS dziri kusvikira mumaoko e NAC, mushure mekunge sangano re UNDP rasvitsa mari iyi ku NAC. Asi VaMagure vati izvi zviri kunonotsa zvirongwa zvavo, vachiti kana pava na fund manager, zvinhu zvichafamba nechimbi chimbi.

Zimbabwe yakapihwa mari dzeGlobal Fund muchikamu chekutanga nechikamu chichishanu. Asi kuuya kwemari iyi kwakamboti netsei sezvo nyika zhinji dziri kuramba kupa Zimbabwe mari nekuda kwekusafambiswa zvakanaka kuri kuitwa zvinhu nehurumende yaVa Mugabe.

Global Fund inopa mari dzinoshnandiswa mukudzivirira zvirwere zvakaita se malaria, TB, HIV/AIDS munyika dzichiri kubudirira.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7

XS
SM
MD
LG