Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vashandi Vanoramwa Mabasa


Vanhu gumi nevatanhatu vambochengetedzwa vamwe vakasungwa nemapurisa munzvimbo dzakasiyana siyana munyika apo kuramwa mabasa kwakarongwa nesangano reZimbabwe Congress of Trade Unions kana kuti ZCTU kwatanga neChitatu.

Mutori wenhau weStudio7, Irwin Chifera, anoti mamwe mabhizinesi anga akavhurwa vanhu vachienda kubasa, kunyange hazvo ZCTU iri kukurudzira vashandi kuti vasaende kumabasa.

Vari kuongorora zviri kuitika munyaia vanoti hurongwa hweZCTU hauna kunyatsofamba zvakanaka.

Vanhu ava vanoti ZCTU haina kunyatsoshambdza hurongwa hwekuratidzira, uye vamwe vanhu vaenda kumabasa nepamusana pekutyisidzirwa kwavaitwa nemapurisa.

VaTakura Zhangazha vanoongorora zviri kuitika munyika uye vachishanda neMISA- Zimbabwe.

Muhurukuro yenyaya iyi, Patience Rusere weStudio Seven abvunza VaZhangazha maonero avo ehurongwa hweZCTU.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio Seven...

XS
SM
MD
LG