Accessibility links

Breaking News

Varimi Votarisana Nematambudziko Mukutanga Kwemwaka weKurima


Varimi vazhinji vanonzi vakatarisana nematambudziko anosanganisira kushayikwa kwezvekurimisa pamwe nezvinodiwa pakugadzirira kurima kwemwaka uno.

Zvimwewo zviri kunyanya kunetsa kuwana imbeu, fotereza nemishonga inouraya tumbuyu.

Makambani emunyika anonzi ari kushanda ari pazvikamu makumi matatu kubva muzana, uye mamwe akatovhara nekuda kwekushaikwa kwemari yekunze.

Zvinonzi vemakambani aya vakatonyorera hurumende vachiizivisa nezvemari yekunze yavanoda kuti vakwanise kutenga zvinodiwa. Mukuedzawo kurerutsira varimi, hurumende inoti ine hurongwa hwekutenga matani mazana masere ezviuru efotereza kubva kunze.

Nyanzvi mune zvekurima uye vari munyori wezvekurima muMDC inotungamirirwa naVaArthur Mutambara, VaRenson Gasela, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio7 kuti panozosvika fotereza iri kutarisirwa kutengwa nehurumende, varimi vanenge vava kutopedza kukohwa gore rinouya.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG