Accessibility links

Breaking News

Nhengo dzeZCTU Dzoshungurudzwa Nemapurisa

Apo nhengo dzeZCTU dzatarisana nehurongwa hwekuramwa mabasa, mapurisa emuChinhoyi ambotora ndokuchengetedza nhengo mbiri dzesangano iri.

VaWellington Chiparamakura pamwe naVa Kambanje vanonzi vaswera vachibvunzurudzwa nemapurisa, ndokubva vazoregedzwa kuti vaende kudzimba dzavo.

Dzimwe nhengo dzeZCTU dzinonzi dzasungwa mudunhu reMatabeleland. Vasungwa ndisachigaro wedunhu iri, VaReason Ngwenya, pamwe nevanooana nezvekufambiswa kwemabasa mudunhu iri, VaAmbrose Sibindi.

Zvinonziwo vamwe vanhu vasungwa muMidlands. Nemuvhuro, mapurisa akasunga nhengo dzeZCTU muHarare, dzinoti VaMicheal Kandukutu, VaTennyson Muchepfa, pamwe naVaMucheni. Zvinonzi magweta evatatu ava ari kurambidzwa nemapurisa kuona varume ava.

ZCTU iri kuronga kuramwa mabasa kwemazuva maviri, uko kunotanga neChitatu. VaWellington Chibebe ndivo munyori mukuru weZCTU.

Patience Rusere weStudio Seven aita hurukuro naVaChibebe kuti tinzwe zviri kuitika.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG