Accessibility links

Breaking News

VaMbeki Vanokokazve veMasangano Akazvimirira kuNhaurirano

Mutungamiri weSouth Africa VaThabo Mbeki, vakumbirazve masangano akazvimirira oga kuti auye kumusangano kuSouth Africa. VaMbeki ndivo vakasarudzwa neSADC kuti vave mutongi gava panyaya yeZimbabwe.

Vane ruzivo nezviri kuitika muPretoria vanoti VaMbeki havasi kuda kuti kana paitwa chibvumirano, vamwe vozoti havana kusumwa.

Vari kutarisirwawo kuudza masangano akazvimirira pavasvika uye kwakananga nyaya dzenhaurirano idzi.

VaJacob Mafume, Cordinator weCrisis in Zimbabwe Coalition, rimwe remasangano ari kuenda kuSouth Africa vaudza mutori wenhau weStudio 7 Blessing Zulu kuti vari kuda kuudza VaMbeki kuti hurumende imire kuramba ichityora kodzero dzevanhu.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG