Mutungamiri we Girl Child Network, Muzvare Betty Makoni, vakadomwa semumwe wevanhu gumi vechidiki vari kuita mabasa anosimudzira nyika pasi rose.
Muzvare Makoni vakadomwa nesangano re Junior Chamber International, kana kuti JCI kuve muchirongwa che Outstanding Young Persons of the Year 2007.
Muzvare Makoni vari kupihwa chiremerera ichi, zvichitevera mabasa avanoita, ayo ava kuremekedzwa pasi rose. Muzvare Makoni, avo vanovazve sachigaro we Women’s Coalition in Zimbabwe, vanoita basa rekurwira kodzero dzevanasikana vechidiki, zvikuru avo vanoshungurudzwa pamwe nekubatwa chibharo.