Accessibility links

Breaking News

Nhengo yeNCA Inofa Mushure Mekurohwa Nemapurisa


Nhengo yeNCA ine makore makumi matanhatu nemana, Amai Bronislawa Kwinjo, avo vakashaya svondo rapera, vakavingwa musi weChipiri.

Amai Kwinjo vakashaya mushure mekurwara zvichitevera kurohwa zvakaipisisisa kwavakaitwa nemapurisa muna Chikunguru. Zvinonzi pavakarohwa vakaita maronda anotyisa, uye muchipfuva mavo maigara makavarwadza. Amai Kwinjo vaigara kuMabvuku, uye vakasiya vana gumi.

Ukuwo bepanhau reZimbabwe Independent rinoti nhengo dzeNCA dziri kuda kuendesa hurumende kumatare edzimhosva sezvo iri kurova pamwe nekusungwa nhengo dzesangano iri zvisiri pamutemo

Nhengo dzeNCA dzinosvika mazana maviri, dziri kuda kuripwa 10 trillion dollars nehurumende.

VaEarnest Mudzengi ndivo vanoona nezve kufambiswa kwemabasa muNCA.

Patience Rusere weStudio Seven aita hurukuro naVaMudzengi kuti tinzwe zvakaitika pana muchakabvu Amai Kwinjo.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG