Accessibility links

Breaking News

Law Society of Zimbabwe Yoronga Kuendesa Hurumende Kumatare Edzimhosva


Sangano reLaw Society of Zimbabwe rinoti riri kuronga kukwidza kumatare edzimhosva epamusoro soro, kana kuti Supreme Court, mutemo wakadzikwa nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, uyo unorambidza kukwidzwa kwemitengo nezvinhu pasina mvumo yehurumende.

Vamugabe vakadzika mutemo we Presidential Powers(Temporary Measures) Act, uyo uchashanda kwemwedzi mitanhatu. Mutevedzeri wemutungamiri weLaw Society of Zimbabwe, VaJosephat Tshuma, vanoti vaendesa pfungwa dzavo kumagweta anopinda mu Supreme Court, kuti vanzwe kana zvavari kuronga zviri mugwara.

VaTshuma vanoti sangano ravo harisi kufara nemutemo uyu nekuti unotyora kodzero dzevanhu.

Doctor Lovemore Madhuku, inyanzvi munyaya dzebumbiro remitemo yenyika, uye vari sachigaro we NCA.

Patience Rusere weStudio Seven aita hurukuro naVaMadhuku kuti tinzwe zvavanofunga padanho riri kuda kutorwa ne Law Society of Zimbabwe.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG