Accessibility links

Breaking News

African Union inoti VaMugabe Ngavaende kuEU-Africa Summit


Ghana, iyo iri kutungamira sangano reAfrican Union, inoti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vanofanirwa kubvumidzwa kuenda kumusangano we EU Africa Union summit, uyo uri kuitirwa kuPortugal muna Zvita.

Gurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika muGhana, VaAkwasi Osei Adjei, vanoti VaMugabe varipo pavatungamiri vari kuenda kumusangano uyu.

Dzimwe nyika dzemuEU dzichitungamirwa neBritain, dzinoti VaMugabe havafaniri kutenderwa kuenda kumusangano uyu, sezvo vari kutyora kodzero dzevanhu.

NeChitatu munyori mukuru weCommonWealth, VaDon Mckinnon, vakatiwo VaMugabe vatenderwe kuenda kumusangano uyu. Musangano uyu wakamira kuitwa kubva muna 2003, nenyaya yaVaMugabe iyi.

VaGlen Mpani vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika vaudza mutori wenhau Blessing Zulu kuti VaMugabe vanofanira kuenda kuti vanodzorwa maitiro avo varipo.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG