Accessibility links

Breaking News

Achbishop Ncube Vanosiya Basa Ravo


Mutungamiri weRoman Catholic muBulawayo, Archibishop Pius Ncube, vasiya basa sa Archbishop wesvondo yeRoma mu Bulawayo.

VaNcube vazivisa danho ravo mutsamba yepeji rimwe chete iri kuparadzirwa muvanhu nemasangano anorwira kodzero dzevanhu. Tsamba iyi yapihwa zvakare kuvatori venhau nenhengo dze Archbishop Pius Ncube Solidarity Coalition pamusangano waitwa paSt Mary's Cathedral.

VaNcube vati kunyange hazvo vasisiri kutungamira chechi yavo muBulawayo, vacharamba vari Bishop wechechi iyi. VaNcube vanoti vasarudza kusiya basa kuitira kuti vaende kumatare edzimhosva vari voga kwete kudhonzera svondo yose mukati menyaya iyi.

Mashoko atiri kutambira anotiwo VaMichael Schupp vadomwa sa Apostolic Administrator we Roman Catholic muBulawayo.

Ukuwo sangano re Zimbabwe Catholic Bishop’s Conference, rinoti ratambirawo tsamba kubva kuna Pope Benedict XIV richiti vabvuma kutambira chikumbiro chaVa Pius Ncube, chekusiya basa sa Archbishop.

Kunyange hazvo vatambira tsamba iyi, ZCBC inoti ichiri kuenderera mberi nekutsvagirudza chokwadi chezvakaitika panyaya iri kupomerwa Bishop Ncube iyi.

Father Frederick Chiromba, ndivo mutauriri we ZCBC.

Mutori wenhau we Studio 7,Carole Gombakomba aita hurukuro naFather Chiromba, kuti tinzwe kuti kirike ye Roma iri kutambira sei kusiya basa kwaVa Ncube sa Archbishop.

Dzimwe nyanzvi munyaya dzezve matongerwo enyika dzinoti zvaitwa naVaNcube zvinhu zvinoremekedzwa, asi hazvivatadzise kuramba vachirwira kodzero dzevanhu.

Carole Gombakomba aita zvakare hurukuro naVaFarai Maguwu, avo vanoongorora zvematongerwo enyika, uye vari Executive Director ve Civil Alliance for Democracy and Governance, avo vanoti kusiya basa kwa Bishop Ncube, chingave chidzidzo kune vamwe vatungamiri kuti kana paita dambudziko rakanyanya, vanofanirwa kusiya basa, vopa vamwe mukana.

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG