Vamwe vanorarama nehutachiwana hwe HIV/AIDS vanoti hurumende yakatononoka kutanga kuongorora nyaya yekupararira kwaita mishonga yema ARV'S asiri echokwadi.
Hurumende, kubudikidza nesangano re Medicines Control Authority of Zimbabwe, inoti yatanga kutsvagirudza zviri kuitika, mushure mekubuditswa kwemashoko ekuti vanhu vasina chekuita nezvehutano, vari kutengesa mishonga iri kunzi ndeye maARV’s.
Sachigaro veZimbabwe National Network of People Living with AIDS, Va Benjamin Mazhindu, vanoti sangano ravo razvipira kushanda nebazi rehurumende riri kuongorora nyaya iyi, sezvo vaine humbowo, hwema sangano ari kuita izvi, pamwe nedzimwe nzvimbo dziri kutengeswa mishonga iyi.
Va Mazhindu vaudza mutori wenhau we Studio 7, Carole Gombakomba kuti nhengo dzavo dziri kusangana nedambudziko iyr, uye vanoti nyaya dzehuori, pamwe nekutamabura kuri munyika, ndiko kuri kuita kuti zvinhu zvakadai zviitike.
Gore rapera mutungamiri we Zimbabwe Medical Association, Dr Paul Chimedza, vakanyora gwaro rinoratidza kushushikana kwavo nekutengeswa kwemishonga isiri yechokwadi iyi, iyo inosanganirirawo mishonga yechivanhu.
Carole Gombakomba weStudio7 aita zvakare hurukuro na Dr Chimedza avo vanoti kunwa mishonga isiri yechokwadi iyi, pamwe nemishonga yapera simba, kuri kuisa hupenyu hwevanhu vakawanda munjonzi.