Svondo rino zviri kutarisirwa kubuda pachena kuti bato reZANU-PF rinoterera here mutungamiri weSouth Africa, VaThabo Mbeki, kana kuti kwete apo Politiburo neCentral Committee yebato iri, zvichazeya kuti bato riri kutonga rotambire here kana kurasa zvakatenderanwa nevamiriri ve MDC ne ZANU-PF kunhaurirano dziri kubatsirwa naVaMbeki.
Mashoko atinawo anoti vamiriri veMDC neZANU-PF vakawirirana zvimwe zvezvinhu zvinofanirwa kuitwa pakuvandudza bumbiri remitemo yenyika.
Vane ruzivo nezviri kuitika vanoti MDC neZanu-PF vakawirirana kuvandudzwa kwemimwe mitemo yesarudzo, zvanga zvichirambwa neMDC zvakafanana nehuwandu hunodiwa mudunhu kuti muve nemumiriri.
Imwe nyaya inogona kuvandudzwawo inyaya yekuti sarudzo dzose dziitwe pamwe chete dzemakanzura, paramende uye dzemutungamiri wenyika. ZANU-PF yainge ichida kuti sarudzo dzemakanzura dzitange, dzimwe dzozotevera.
Nyaya yenhengo dzeparamende dzinosarudzwa nemutungamiri wenyika dzisina kusarudzwa, iri kutarisirwawo kuvandudzwa kuitira kuti vanhu vose vanopinda muparamende, vange vachivhoterwa.
VaGlen Mpani vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika vaudza mutori wenhau Blessing Zulu weStudio 7 kuti zviri kuitwa izvi hazvina chazvinobatsira panyaya yesarudzo sezvo mhirizhonga ichangoenderera mberi.