Gurukota rezvevashandi, VaNicholas Goche, vanonzi vadaidza vamiriri vemasangano akazvmirira oga, NANGO, kuti vataure pamusoro penyaya dzine chekuita nechikafu.
Asi chief executive officer weNANGO, VaCephas Nhumwa, varamba kutaura nezvenyaya iyi, vachiti Studio Seven ivafonere neChipiri svondo rinouya. Hatina kukwanisa kutaura naVaGoche kuti tinzwe kuti musangano wavo neNANGO wanga uri weyi.
Zvinonzi masangano akazvimirira oga ari kuchema nerekuti hurumende iri kutyora mutemo we International Humanitarian Law unoti hurumende haifanirwe kupindira mumabasa emasangano aya.
VaRoger Mpande inyanzvi munyaya dzekurima.
Patience Rusere weStudio Seven aita hurukuro naVaMpande kuti tinzwe pfungwa dzavo pane zviri kuitika pakati peNANGO nehurumende.