Accessibility links

Breaking News

Nhengo yeMDC Inourayiwa Mubhawa kuMarondera


Nhengo yeMDC kuMarondera, VaJabulani Chiwoka, vanonzi vakabaiwa nebanga vakafa nevanhu vanofungidzirwa kuti inhengo dzeZANU-PF. Izvi zvinonzi zvakaitika kumaruwa ekwaSvosve.

Vanoziva nezve nyaya iyi vanoti VaChiwoka neshamwari yavo VaTafiranyika Nyandoro, vakarwiswa apo vainwa doro mubhawa. VaChiwoka vanonzi vakabaiwa nebanga vachibva vafa.

VaNyandoro vanonzi vakabaiwa nebanga pamusana, uye vari muchipatara. Imwe nhengo yeMDC, Amai Kerry Kay, vanoti pane varume vatatu vakasungirwa nyaya iyi. Mapurisa eCID yekuMarondera vanga vasingadaire runhare kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi. VaTafadzwa Mugabe igweta rinoshanda neZimbabwe Lawyers for Human Rights.

Patience Rusere weStudio Seven aita hurukuro naVaMugabe kuti tinzwe zvanoziva nezvenyaya yekupondwa kwavaChiwoka.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio Seven...

XS
SM
MD
LG