Accessibility links

Breaking News

MDC neZanu PF Zvonetsana Panyaya yeBumbiro reMitemo yeNyika


Nhaurirano pakati peMDC neZANU-PF dzichitungamirwa nemutungamiri weSouth Africa, VaThabo Mbeki, dzakapera neMuvhuro. Hurukuro idzi dzinova dzekutanga kubva zvakapera musangano weSADC, muLusaka, Zambia, dzakatanga neMugovera.

Vane ruzivo nezviri kuitika vanoti nyaya yakanyanyokurukurwa nezvayo ndeye bumbiro remitemo, iyo inenge younza kusawirirana kwakanyanya pakati peZANU-PF neMDC. VaMbeki vari kuda kuyedza kuti MDC ne ZANU-PF dziwirirane panyaya yekuvandudza zvikamu zvebumbiro remitemo, kana kuti Constitutional Ammendment Number 18, sezvo VaMugabe vari kutsika madziro vachiramba kuvandudza kwebumbiro rose remitemo yenyika

Asi MDC inoti ZANU-PF inenge yange yoita zano ndega sezvo iri kuda kuvandudza bumbiro remitemo racho yoga.

Asi kupindira kwaVaMbeki ndiko kunonzi kwapa kuti ZANU-PF inonoke kuunza bumbiro remitemo iri kudare reparamende. Vange vachimirira ZANU-PF muhurukuro idzi igurukota rezvekumutemo, VaPatrick Chinamasa, uye gurukota rezvevashandi, VaNicholas Goche.

Zvikwata zviviri zveMDC zvange zvichimirirwa nevanyori vakuru vezvikwata izvi, VaTendai Biti naVaWelshman Ncube.

National Director weNCA, VaEnerst Mudzengi, vaudza mutoti wenhau Blessing Zulu kuti zvoitwa naVaMbeki hazvibatsire MDC.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG